4:10 |
Kreske aenda kuGaratia; Tito kuDharimatia. |
4:11 |
Ruka oga uneni. Tora Mako uuye naye; nokuti anondibatsira pakushumira. |
4:12 |
Asi Tikiko ndakamutuma kuEfeso. |
4:13 |
Paunodzoka, uuye nenhumbi dzandakasiya naKapo paTroasi, uye mabhuku, asi zvikuru matehwe. |
4:14 |
Arekizanda mupfuri wendarira wakandiratidza zvakaipa zvizhinji;; Jehovha achamutsiva zvakafanira mabasa ake. |
4:15 |
Uye unofanirawo kumunzvenga; nokuti wakapikisa mashoko edu nesimba. |
4:16 |
Pakuzvidavirira kwangu kwekutanga, hapana akamira neni, asi vanhu vose vakandisiya. Ngazvirege kuverengerwa kwavari! |
4:17 |
Asi Ishe akamira neni uye akandisimbisa, kuitira kuti kubudikidza neni kuparidza kuitwe, uye kuti vaHedheni vose vanzwe. Uye ndakasunungurwa pamuromo weshumba. |
Leave a Reply
Unofanira kuva akapinda kutumira mhinduro.